2 Corinthians 1

Kwaziso

1Pauro muapositori waJesu Kristu nechido chaMwari, naTimotio hama, kukereke yaMwari iri paKorinde, pamwe nevatsvene vese vari muAkaya yese: 2Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu nekuna Ishe Jesu Kristu.

Kuvonga kwaPauro

3Ngaavongwe Mwari, uye vari Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, Baba vetsitsi uye Mwari wenyaradzo yese, 4anotinyaradza padambudziko redu rese, kuti tigone kunyaradza avo vari mudambudziko ripi neripi, nenyaradzo yatinonyaradzwa nayo isu tomene naMwari. 5Nokuti matambudziko aKristu sezvaakawedzerwa matiri, saizvozvowo nyaradzo yedu yakawedzerwa nemuna Kristu. 6Zvino kana tichirwadziwa, ndezvenyaradzo neruponeso rwenyu zvinobatiswa mukutsungirira mumatambudziko mamwewo atakatambudzikawo isu; kana tichinyaradzwa, ndezvenyaradzo neruponeso rwenyu; 7uye tariro yedu maererano nemwi yakasimba, tichiziva kuti sezvamuri vagovani vematambudziko, saizvozvowo venyaradzo. 8Nokuti hatidi kuti musaziva, hama, pamusoro pedambudziko redu rakatiwira paAsia, kuti takaremerwa zvikurusa kukunda simba redu, zvekuti takarasa tariro kunyange yeupenyu. 9Asi isu pachedu takange tine mutongo werufu matiri, kuti tirege kuzvivimba isu asi kuna Mwari anomutsa vakafa; 10wakatinunura parufu rukuru rwakadai, uye anonunura; watinovimba maari kuti achatinunurazve; 11nemwi muchishandira isu pamwe nemukumbiro, kuti nekuda kwechipo pamusoro pedu kubudikidza nevanhu vazhinji tivongerwe nevazhinji.

Kusazvikudza kwaPauro

12Nokuti kuzvikudza kwedu ndikoku, kupupura kwehana yedu, kuti muumwe neuzvokwadi hwaMwari, kwete neuchenjeri hwenyama, asi nenyasha dzaMwari, takazvibata panyika, zvikuru maererano nemwi. 13Nokuti hatinyori zvimwe zvinhu kwamuri, asi izvo zvamunoverenga nezvamunogamuchira; uye ndinovimba kuti muchazvigamuchirawo kusvika pakuguma; 14sezvamakatigamuchirawo muchidimbu, kuti tiri rumbidzo yenyu, semwiwo yedu nezuva raIshe Jesu.

Pauro wakaregerei kuenda kuKorinde

15Zvino nechivimbo ichi ndaishuva pakutanga kuuya kwamuri, kuti muve nenyasha dzechipiri; 16nekupfuura nekwamuri ndichienda kuMakedhonia, nekudzoka kwamuri ndichibva Makedhonia, uye ndiperekedzwe nemwi kuJudhiya. 17Naizvozvo ndichifunga saizvozvi, ndakashandisa kusasimbisa moyo here, kana zvandinozvipira, ndinozvipira zvinoenderana nenyama kuti kwandiri zvive hongu, hongu; uye kwete, kwete here? 18Asi Mwari wakatendeka, kuti shoko redu kwamuri harina kuva hongu nakwete. 19Nokuti Mwanakomana waMwari Jesu Kristu uyo wakaparidzwa nesu pakati penyu, neni naSirivhano naTimotio, wakange asiri hongu nakwete, asi maari maiva hongu. 20Nokuti zvese zvivimbiso zvaMwari, maari ndihongu, nemaari ndiAmeni, rwuve rukudzo rwaMwari kubudikidza nesu. 21Zvino anosimbisa isu pamwe nemwi muna Kristu, neakatizodza ndiMwari, 22wakatiisawo mucherechedzo isu, akapa rubatso rweMweya mumoyo yedu. 23Asi ini ndinodana Mwari kuti ave chapupu pamweya wangu, kuti ndikuregererei handisati ndauya kuKorinde. 24Kwete kuti tinotonga parutendo rwenyu, asi tiri vabati pamwe chete vemufaro wenyu; nokuti mumire nerutendo.
Copyright information for Shona